Zephaniah 3

Ramangwana reJerusarema

1Rine nhamo guta ravamanikidzi,
rakapanduka uye rikasvibiswa!
2Harina warinoteerera,
harigamuchiri kudzorwa.
Harivimbi naJehovha,
hariswederi pedyo naMwari waro.
3Machinda aro ishumba dzinoomba,
vatongi varo mapere amadekwana,
vasingasiyi chinhu chamangwanani.
4Vaprofita vavo vanozvikudza;
vanhu vanonyengera.
Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene
uye vanoputsa murayiro.
5Jehovha ari mariri mutsvene;
haaiti zvakaipa.
Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake,
zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa,
asi vasakarurama havanyari.
6“Ndakaparadza ndudzi;
shongwe dzavo dzakaparara.
Ndakasiya nzira dzavo dzisisafambwi,
hapasisina anopfuura nomo.
Maguta avo akaparadzwa;
hapana achasiyiwa, kana mumwe zvake.
7Ndakati kuguta,
‘Zvirokwazvo uchanditya
ugogamuchira kudzorwa!’
Ipapo vagari varo havangaparadzwi,
kana kuranga kwangu kwose hakungauyi pariri.
Asi vakanga vachine shungu
dzokuita uori pakuita kwavo kwose.
8Naizvozvo ndimirirei,” ndizvo zvinotaura Jehovha,
“zuva randichasimuka kuti ndigopupura.
Ndafunga kuunganidza ndudzi,
kuunganidza ushe hwose
uye nokudurura hasha dzangu pavari,
kutsamwa kukuru kwangu kwose.
Nyika yose ichaparadzwa
nomoto wegodo rokutsamwa kwangu.

9“Ipapo ndichachenesa miromo yavanhu,
kuti vose zvavo vadane kuzita raJehovha
uye vamushumire nomwoyo mumwe.
10Kubva mhiri kwenzizi dzeEtiopia vanamati vangu,
vanhu vangu vakapararira,
vachandiunzira zvipiriso.
11Pazuva iro hamungaiswi pakunyadziswa
nokuda kwezvakaipa zvamakandiitira,
nokuti ndichabvisa kubva
muguta rino vaya vanofara mukuzvikudza kwavo.
Hamungazovizve namanyawi
pagomo rangu dzvene.
12Asi ndichasiya pakati penyu
vanyoro vanozvininipisa,
vanovimba nezita raJehovha.
13Vakasara vaIsraeri havangaiti zvakaipa;
havangarevi nhema,
uye kunyengera hakuzowanikwi mumiromo yavo.
Vachadya uye vagorara pasi,
uye hapana angavatyisa.”

14Imba, iwe Mwanasikana weZioni,
danidzira, iwe Israeri!
Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose,
iwe Mwanasikana weJerusarema!
15Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose,
adzinga muvengi wako. Jehovha,
Mambo waIsraeri, anewe;
hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho.
16Pazuva iro vachati kuJerusarema,
“Usatya, iwe Zioni;
usarega maoko ako achishayiwa simba.
17Jehovha Mwari wako anewe,
ndiye ane simba rokuponesa.
Achafadzwa zvikuru newe,
achakunyaradza norudo rwake,
achafara nokuda kwako nokuimba.”

18“Matambudziko emitambo
yakatarwa ndichaabvisa kwauri;
iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri.
19Panguva iyoyo ndichatonga
vose vakakumanikidza;
ndichanunura vakaremara
uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa.
Ndichavapa rumbidzo norukudzo
munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa.
20Panguva iyoyo ndichakuunganidzai;
panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha.
Ndichakupai rukudzo nerumbidzo
pakati pavanhu vose vapanyika,
pandichadzora pfuma yenyu
muchizviona nameso enyu,”
ndizvo zvinotaura Jehovha.
Copyright information for SnaBDSC